24/10/2020
MOTIVATIONAL MONDAYS
Handina kuerekana ndava pandiri nhasi kwete,ndakambova chiseko chenyika mukuedza kusimudzira musambo wangu,Vamwe vakanditi dai waenda kunotsvaga basa nekuti zvaunoimba zvinosembura vazhinji,vamwewo vaitoedza kubhadhara Josh Hozheri kuti tapota tokupa mari yaunoda kuti uyu munhu asaridza muno mujazz 105 anotinyaudza.Zvikanzi nevamwe anoendepiko namateze emasvikiro uyu anenge rombe.
Vazhinji havana kuona misodzi yaierera nematama angu pandaishungurudzika nemashoko evanhu.....
Vazhinji havana kuona zvandaiona husiku pandaidzika combie ndichibva kumashows munzira dzaipondwa vanhu vachifumowanikwa munzira yandinenge ndadarika....
Handiko here kunonzi nevakuru Kufa kwemurume kubuda ura?Mwari haana kundipa chipo chekuimba chete. Ndinodaira kuti chimwe chipo chaakandipa ndechekusaora moyo.
Don't give up!
What I have learnt in life is that it matters not where you are from, you cannot do anything about your past but you definitely can do something about your future. Nothing comes easy, chakakosha kushingirira pabasa rako. Miyedzo inototi iuye zuva nezuva, asika handizvo zvingakudzivisa from chasing your dreams. Whether it's school, a tertiary qualification you are pursuing, a business interest, a sport, a skill or a talent you are developing, KEEP AT IT MUSOJA, ZVICHAITA CHETE!
For more about my journey, kwazvakatangira, do visit https://www.youtube.com/watch?v=jowoo8nne1Q and http://www.jahprayzah.com/biography/